Author
Oscar Gwiriri
Oscar Gwiriri akazvarwa musi wa15 June 1975 kwaIshe Mutasa, Zimbabwe. Zvimwe zvinyorwa zvake zvinowanikwa mumabhuku anopfuura makumi matanhatu. Munyori uyu ane chiremerera chokushevedzwa achinzi Certified Forensic Investigations Professional (CFIP), uye ane magwaro mazhinji mamwe acho anosanganisira; Master of Science in Strategic Management Degree, Bachelor of Business Administration, Diploma in Logistics and Transport (CILT,UK), Diploma in Workplace Safety and Health, Commanding United Nations Peacekeeping Operations Certificate nemamwewo. Zvisinei kuti munyori uyu ane zvidzidzo zvakawanda, uye akafamba nyika dzakawanda sei, anofarira kunyora nemutauro weChiShona chamandorokwati. Donzvo rake nderekuchengetedza nhaka yemadzitateguru edu. Kurudziro yake kune vechidiki ndeyekuti vadade nemutauro weChiShona chakapfuma, vozotambidzawo vazukururwi zvavo.